Proverbs 17

1Zviri nani kuva nechimedu chakaoma chechingwa uine rugare norunyararo
pane imba izere namabiko, ine kupesana.
2Muranda akachenjera achatonga mwanakomana anonyadzisa,
uye achagoverwa nhaka somumwe wehama.

3Hari ndeyokunyautsira sirivha uye choto ndechokunatsa goridhe,
asi Jehovha ndiye anoedza mwoyo.

4Munhu akaipa anoteerera miromo yakaipa;
murevi wenhema anorerekera nzeve yake kururimi runoparadza.

5Uyo anoseka varombo anozvidza Musiki wavo,
ani naani anofarira njodzi dzavamwe haangaregi kurangwa.

6Vana vevana ikorona kune vakwegura,
uye vabereki ndivo kukudzwa kwavana vavo.

7Kutaura kuna manyawi hakuna kufanira benzi,
zvikuru sei kutaura nhema kwomubati!

8Fufuro inofadza uyo anoipa;
kwose kwose kwaanoenda, anobudirira.

9Uyo anofukidzira kudarika kwomumwe anotsvaka rudo,
asi ani naani anomutsazve mhaka anoparadzanisa shamwari dzepedyo.

10Kutsiurwa kunofadza munhu ane njere
kupfuura kurohwa kwebenzi kazana.

11Munhu akaipa anongotsvaka kumukira chete;
nhume isina tsitsi ichatumirwa kundomurwisa.

12Zviri nani kusangana nechikara chatorerwa vana vacho
pane benzi muupenzi hwaro.

13Kana munhu akaripira zvakanaka nezvakaipa
zvakaipa hazvizombobvi paimba yake.

14Kuvamba kwokukakavara kwakafanana nokudziurira mvura yedhamu;
saka rega nharo kurwa kusati kwatanga.

15Kupembedza ane mhosva nokupomera asina mhaka,
Jehovha anozvivenga zvose.

16Ine basa reiko mari kana iri muruoko rwebenzi,
sezvo risina chishuvo chokuwana uchenjeri?

17Shamwari inoda panguva dzose,
uye hama yakaberekerwa kupikisana.

18Munhu anoshayiwa njere ndiye anombunda noruoko rwake pamhiko,
uye anoitira muvakidzani wake rubatso.

19Uyo anoda zvokukakavara anoda chivi;
uyo anovaka suo refu anotsvaka kuparadzwa.

20Munhu ane mwoyo wakaipa haabudiriri;
uyo ane rurimi runonyengera achawira mudambudziko.

21Kuva nomwanakomana benzi kunouyisa kurwadziwa;
baba vebenzi havana mufaro.

22Mwoyo wakafara mushonga wakanaka,
asi mweya wakaputsika unoomesa mapfupa.

23Munhu akaipa anogamuchira fufuro muchivande,
kuti aminamise nzira dzokururamisira.

24Munhu ane njere anoisa uchenjeri pamberi,
asi meso ebenzi anosvika kumagumo enyika.

25Mwanakomana benzi anorwadzisa baba vake,
uye anoitisa shungu uyo akamubereka.

26Hazvina kunaka kuranga munhu asina mhosva,
kana kurova machinda nokuda kwokururama kwavo.

27Munhu ano ruzivo anoshandisa mashoko achizvidzora,
uye munhu anonzwisisa akadzikama.

28Kunyange benzi, kana rakanyarara, rinonzi rakachenjera,
uye rikabata muromo waro rinonzi rakangwara.
Copyright information for SnaBDSC